Revelation 14:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nechifananidzo chacho achiiswa mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe mutumwa wechitatu akatevera, akati nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake,
Shona 2009?
ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe mutumwa wechitatu akatevera, akati nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake,