Revelation 15:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari norumbo rweHwayana vachiti, “Tenzi Mwari Samasimbaose mabasa enyu makuru, anoshamisa, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Imi Mambo wapasi chigare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi.
Shona 2009?
Vakaimba rwiyo rwaMozisi, muranda waMwari, norwiyo rwegwayana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzechokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi.