Revelation 15:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tembere ikazara noʋutsi bgunobva pakubginya kwaMŋari napasimba rake; kukasaʋa nomunhu wakagona kupinda patembere, kuȿikira maɗambudziko manomŋe aʋatumŋa ʋanomŋe apera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Temberi yakazara noutsi huchibva mukupenya kokuvapo kwaMwari nokusimba rake. Hapana aikwanisa kupinda muTemberi kusvikira pfumvu nomwe dzavatumwa vanomwe vaya dzapera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Temberi ikazara nohutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu akagona kupinda patemberi, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Shona 2009?
Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Shona SUB 2002 Bible
Temberi ikazara nohutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu akagona kupinda patemberi, kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.