Revelation 16:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wecitanhatu akaɗurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapxa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuʋa dzigadzirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake parukova rukuru rweYufuratesi mvura yarwo ikabva yapwa kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufuratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
Shona 2009?
Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufuretesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.