Revelation 16:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ndinoʋuya sembava. Wakaropafadzwa unorinda, unoceŋgeta ŋguʋo dzake, kuti arege kufamba asina‐kupfeka, ʋaʋone nyadzi dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tarisai muone ndichauya sembavha; akakomborerwa munhu anenge akasvinura, achichengeta hanzu dzake kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, ndinouya sembavha. Akaropafadzwa anorinda, anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba asina kupfeka, vaone nyadzi dzake.
Shona 2009?
Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, ndinouya sembavha. Akaropafadzwa anorinda, anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba asina kupfeka, vaone nyadzi dzake.