Revelation 16:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mheni yakaʋa’po, namanzwi nokutinhira; nokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru kwakaʋa’po; kuɗeŋgenyika kwenyika kwakakura‐kura kukaɗai hakuna‐kumboʋa’po kubva pakusikwa kwaʋanhu panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mheni yakavaima kukadhiriridza, kukaita mabhanan'ana kukava nokundengendeka kwapasi kusati kwamboitika kubvira kuvapo kwavanhu panyika. Hakusi kukura ikoko kokundengendeka kwacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mheni yakavapo, namazwi nokutinhira; nokudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyeka kwenyika kwakakura-kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwavanhu panyika.
Shona 2009?
Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mheni yakavapo, namazwi nokutinhira; nokudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyeka kwenyika kwakakura–kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwavanhu panyika.