Revelation 16:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cimvuramabge cikuru, cinobva kuɗeŋga, cikawira pamsoro paʋanhu, kurema kwebge rimŋe nerimŋe kukaita setarenta; ʋanhu ʋakamhura Mŋari nokuɗa kweɗambudziko recimvuramabge, nokuti ɗambudziko raco raiʋa guru kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chivhuramahwe chairema makirogiramu makumi mana anamashanu chakawira vanhu chichibva mudenga kusvikira vanhu vashonha Mwari pamusana pepfumvu yechivhuramahwe, hakusi kutyisa ikoko kwepfumvu iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
Shona 2009?
Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda**; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.