Revelation 17:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyaŋga dzinegumi dzawaʋona, ndiwo madzimambo anegumi, acigere kupiwa ʋushe, asi ʋacapiwa simba samadzimambo pamŋe cete necikara ŋguʋa imŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nyanga dzine gumi dzawaona, ndiwo madzimambo ane gumi, achigere kupiwa ushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe.
Shona 2009?
Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Nyanga dzine gumi dzawaona, ndiwo madzimambo ane gumi, achigere kupiwa ushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe.