Revelation 17:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cikara cawaʋona, caiʋa’ po, haci ci’po; coɗo‐kukwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika kundoparadzwa; ʋanogara panyika ʋasina‐kunyorwa mazita aʋo mubuku yoʋupenyu kubva pakusikwa kwenyika, ʋacashamiswa kana ʋaciʋona cikara, kuti caiʋa’ po, haci ci’po, ʋuye cicazoʋa’ po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; choda kukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.
Shona 2009?
Chikara chawavona, chaivapo, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.
Shona SUB 2002 Bible
Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; choda kukwira chichibva mugomba rakadzika–dzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.