Revelation 18:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iʋo ʋamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, ʋaciti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Babironi, guta rakasimba! Nokuti kutoŋgwa kwako kwakaȿika neŋguʋa imŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachamira kure uko nokutya matambudziko aro vachiti, “Maiwe! Maiwe! Nhaiwe guta guru, iwe guta rakasimba, Bhabhironi zvakuwana neawa imwechete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti, “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.”
Shona 2009?
ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.
Shona SUB 2002 Bible
ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti, “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.”