Revelation 18:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nekinamoni, nomuamumoni, neɀinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivi, noʋupfu bgakatsetseka, neɀiyo, neŋombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzeŋgoro, nedzaʋatapxa, nedzemŋeya yaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuchizoti chinamoni, netwekubikisa tunonhuwirira; kotiwo rusenzi nemura norusenzi rune kakunhuwirira kakanakisa kwazvo; kuchizouya waini namafuta noupfu hwekoroni hwakatsetseka uye nekoroni kuchiuyawo mombe nehwai namabhiza nengoro dzehondo ndokuchizouyawo nhapwa zvichireva vanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini, namafuta omuorivhi, nohupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.
Shona 2009?
nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuhwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivhi, novupfu bwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
nesinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribhanoni, newaini, namafuta omuorivhi, nohupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabhiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.