Revelation 18:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakakandira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɗanidzira ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa neɀinokosha ɀaro ʋose ʋaiʋa neɀikepe ɀaʋo paguŋgwa; nokuti rakaparadzwa neŋguʋa imŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakazvidira ivhu mumusoro vachichema vachiungudza vachiridza mhere vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakapfumisa vose vaiva nengarava munyanza, neawa imwechete raparara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.”
Shona 2009?
Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.”