Revelation 18:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, yaʋa nɀimbo munogara mŋeya yakaipa, nenhare yemŋeya yose yetȿina, nenhare yeshiri dzose dzinetȿina dzinoʋeŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadaidzira nezwi guru achiti, “Raparara, raparara Bhabhironi guta guru rava musha wemweya yakaipa; rava dambiro remweya yose yakan'ora nechirugu cheshiri dzose dzakan'ora necheshiri dzisingadiwi navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akadanidzira nezwi guru, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiri dzose dzine tsvina, dzinovengwa.
Shona 2009?
Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akadanidzira nezwi guru, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nenhare yeshiri dzose dzine tsvina, dzinovengwa.