Revelation 18:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mutumŋa unesimba akasimudza ibge rakaita seguyo guru, akarikandira muguŋgwa, aciti: Saiɀoɀo guta guru, Babironi, ricaputsirwa pasi nesimba, rikasatoŋgowanikwa ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve.
Shona 2009?
Zvino mumwe mutumwa unesimba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve.