Revelation 18:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro, namadzimambo enyika akaita ʋupombge naro, naʋateŋgesi ʋenyika ʋakafuma nesimba rokuɀirasha kwaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndudzi dzose dzakanwa waini yehavi dzaro dzakaipa, madzimambo ose akaita upombwe naro. Vashambadzi vapasi vakapfumiswa noupfumi nounzenza hwaro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwoupombwe hwaro, namadzimambo enyika akaita upombwe naro, navatengesi venyika vakapfuma nesimba rokuzvirasa kwaro.”
Shona 2009?
Nokuti marudzi ose akamwa waini yokutsamwa kovupombwe bwaro, namadzimambo enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwoupombwe hwaro, namadzimambo enyika akaita upombwe naro, navatengesi venyika vakapfuma nesimba rokuzvirasa kwaro.”