Revelation 18:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Parakaɀikudza nokuɀifadza napo, murirwadzise nokuricemedza; nokuti rinoti mumŋoyo maro: Ndinogara pacigaro coʋushe ndiri ʋahosi, handizi cirikadzi, handiŋgatoŋgoʋoni kucema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rionesei nhamo murirwadzise zvakaenzana nembiri namafaro arakazvipa. Zvarinozviti nechomumwoyo, ‘Ndigere zvangu samambokadzi, handisi chirikadzi, kuchema handimbofa ndakachema.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumwoyo maro, ‘Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema.’
Shona 2009?
Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema.
Shona SUB 2002 Bible
“Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumwoyo maro, ‘Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema.’