Revelation 19:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa ndikaona bhiza jena. Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi anotonga noururami uye anorwa hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama.
Shona 2009?
Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka nowazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakaona kudenga kwakazarurwa, ndikaona bhiza jena; naiye akanga agere pamusoro paro akanzi: Akatendeka noWechokwadi; anotonga nokurwa zvakarurama.