Revelation 19:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yaʋakuru ʋeɀuru ɀamazana, nenyama yaʋanesimba, nenyama yamabiza, neyaʋataȿi ʋawo, nenyama yaʋanhu ʋose ʋakasunuŋguka naʋakasuŋgwa, ʋaɗuku naʋakuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuti muzodya nyama yamadzimambo, vakuru, uye varume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uyai muungane mudye chirariro chezvitunha zvamadzimambo nezvitunha zvavatungamiri vehondo nezvitunha zvamagamba nezvitunha zvamabhiza nezvavatasvi vawo nezvitunha zvavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vakuru navaduku.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezviuru zvamazana, nenyama yavane simba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.”
Shona 2009?
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.
Shona SUB 2002 Bible
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezviuru zvamazana, nenyama yavane simba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.”