Revelation 19:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti kutoŋga kwake ndokwaɀokwaɗi kwakarurama; nokuti wakatoŋga mhombge huru yakaʋodza nyika noʋupombge bgayo, akatsiʋa ropa raʋaranda ʋake paruʋoko rwayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chiya chakaodza pasi noupombwe hwacho akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”
Shona 2009?
nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakavodza nyika novupombwe bwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruvoko rwayo.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”