Revelation 19:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakasara ʋakaʋurawa nomunondo waiye wakaŋga akataȿa biza, wakaɓuɗa mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vose vakauraiwa nebakatwa romutasvi webhiza raibuda mumuromo make uye shiri dzose dzichatozvimbirwa zvadzo nenyama yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakasara vakaurawa nomunondo waiye akanga akatasva bhiza, akabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.
Shona 2009?
Vakasara vakavurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakasara vakaurayiwa nomunondo waiye akanga akatasva bhiza, akabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.