Revelation 19:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwandiri: Nyora, uti: Ʋakaropafadzwa ʋakakokerwa kucirayiro cokuwana ceGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaaɀokwaɗi aMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa akati kwandiri, “Nyora izvi zvokuti, ‘Vakakomborerwa zvavo vakakokwa kuchirariro chomuchato weHwayana.’ Akanditizve, ‘Aya mazwi chaiwoiwo aMwari.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.”
Shona 2009?
Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana chegwayana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaazvokwadi aMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.”