Revelation 2:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe.
Shona 2009?
Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,
Shona SUB 2002 Bible
Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti una vamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana VaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe.