Revelation 2:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.
Shona 2009?
Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikamwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.