Revelation 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti: Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira mazwi oMwanakomana waMwari ana maziso anenge rimi romoto anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira uti, “Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya:
Shona 2009?
Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira, uti: Zvanzi noMwanakomana waMwari, unameso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya;
Shona SUB 2002 Bible
“Nyorera mutumwa wechechi iri paTiatira uti, ‘Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya.’