Revelation 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesabheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.
Shona 2009?
Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesibheri, unozviidza muporofitakadzi, uye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo,
Shona SUB 2002 Bible
“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.