Revelation 2:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake.
Shona 2009?
Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake.