Revelation 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paSmirna, uti: Ɀanzi naiye wokutaŋga nowokupedzisira, wakaŋga afa, akararama ɀe:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paSimirina, uti: “Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, akanga afa, akararamazve:
Shona 2009?
Nyorera mutumwa wekereke iri paSimina, uti: Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, wakanga afa, akararamazve:
Shona SUB 2002 Bible
“Nyorera mutumwa wechechi iri paSimena, uti: ‘Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, akanga afa, akararamazve.’