Revelation 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Diaborosi, wakaʋanyeŋgera, akakandwa mudziʋa romŋoto nesurferi, panecikara nomuprofita wenhema, kuti ʋarwadzwe masikati noʋusiku nokusiŋgaperi‐peri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhiabhori akanga avanyengedza achakandwa muzidziva romoto nesarufa mune chikara chiya nomuporofita wenhema uya, vachaoneswa nhamo siku nesikati narini narini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhiabhori, akavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesuriferi, pane chikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati nousiku nokusingaperi-peri.
Shona 2009?
Zvino Dhiabhorosi, wakavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesarufa, panechikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati novusiku no kusingaperi-peri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhiabhori, akavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesuriferi, pane chikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati nousiku nokusingaperi–peri.