Revelation 20:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona cigaro coʋushe cikuru cicena, naiye wakaŋga agere pamsoro paco, iye, nyika neɗeŋga ɀakatiza pamberi pake, ɀikasawanirwa nɀimbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, uye zvikashayirwa nzvimbo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazoona chigaro chikuru chichena choumambo naiye akanga agerepo. Nyika nedenga zvakatiza kubva paari zvakabva zvava zvinhu pasina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona chigaro choushe chikuru chichena, naiye akanga agere pamusoro pacho, nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikasawanirwa nzvimbo.
Shona 2009?
Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona chigaro choushe chikuru chichena, naiye akanga agere pamusoro pacho, nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikasawanirwa nzvimbo.