Revelation 20:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaʋona ʋakafa, ʋaɗuku naʋakuru, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe; buku dzikazarurwa, neimŋe buku yoʋupenyu ikazarurwa; ʋakafa ʋakatoŋgwa neɀakaŋga ɀakanyorwa mubuku, seɀaʋakaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
Shona 2009?
Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro choushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.