Revelation 20:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana munhu akawanikwa asina‐kunyorwa mubuku yoʋupenyu, wakakandirwa mudziʋa romŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana zita romunhu rikashaikwa risina kunyorwa mubhuku iroro roupenyu, munhu iyeyo anokandwa mudziva riya romoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku youpenyu, akakandirwa mudziva romoto.
Shona 2009?
Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku yovupenyu, wakakandirwa mudziva romoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku youpenyu, akakandirwa mudziva romoto.