Revelation 20:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akamukandira mugomba rakadzika‐dzika, akamupfigira’ mo, akaisa cisimbiso pamsoro pake, kuti arege kuzonyeŋgera marudzi kuȿikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaiɀoɀo unofanira kusunuŋgurwa ciŋguʋa ciɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya uye akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akarizarira ndokumunamiriramo kuti aregezve kunyengedza marudzi kusvikira makore ane chiuru aya apera. Mushure maizvozvo anofanira kumbosunungurwa kwenguva diki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akamukandira mugomba rakadzikadzika akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera; shure kwaizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
Shona 2009?
akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
Shona SUB 2002 Bible
akamukandira mugomba rakadzika–dzika akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera; shure kwaizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chiduku.