Revelation 20:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaʋona ɀigaro ɀoʋushe, ʋakagara pamsoro paɀo, ʋakapiwa simba rokutoŋga; ndikaʋona mŋeya yaʋakaŋga ʋagurwa misoro nokuɗa kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMŋari, naʋose ʋasina‐kunamata cikara kana mufananidzo waco, ʋasina‐kupiwa ciratidzo pahuma dzaʋo naparuʋoko rwaʋo; ʋakararama ʋakaɓata ʋushe pamŋe cete naKristu makore anegumi ramazana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama uye vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo. Vakanga vagere pazviri ndivo vakapiwa simba rokutonga uye ndakaonawo mweya yavavo vakanga vadimburwa musoro pamusana pokupupurira kwavo Jesu uye pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokuti havana kunamata chikara kana kunamata chifananidzo chacho kana kuiswa mucherechedzo wacho pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakamukazve vakatonga naKristu kwechiuru chamakore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakaona zvigaro zvoushe; vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikaona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo; vakararama vakabata ushe pamwechete naKristu makore ane gumi ramazana.
Shona 2009?
Ipapo ndakavona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikavona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma yavo naparuvoko rwavo; vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakaona zvigaro zvoushe; vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikaona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo; vakararama vakabata ushe pamwechete naKristu makore ane gumi ramazana.