Revelation 20:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unomugoʋe pakumuka kwokutaŋga wakaropafadzwa, mutȿene; rufu rwecipiri harunesimba pamsoro paiʋaʋa; asi ʋacaʋa ʋaprista ʋaMŋari naʋaKristu, ʋacaɓata ʋushe pamŋe cete naye makore anegumi ramazana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakomborerwa zvake uye mutsvene munhu uyo anenge ari mumwe waavo vapakumuka kokutanga ikoko. Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba asi vachava vapristi vaMwari naKristu, vachatonga naiye kwechiuru chamakore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu anomugove pakumuka kwokutanga akaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwechete naye makore ane gumi ramazana.
Shona 2009?
Munhu unomugove pakumuka kokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava; asi vachava vaprista vaMwari navaKristu, vachabata vushe pamwe chete naye makore anegumi ramazana.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu anomugove pakumuka kwokutanga akaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwechete naye makore ane gumi ramazana.