Revelation 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Guta rakaŋga rakaʋakwa namatiʋi manna akaenzana, kureɓa kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsaŋga, ɀikaȿika pamastadia aneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; kureɓa nokufara, nokukwirira kwaro ɀakaŋga ɀakaenzana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta iroro raiva namativi mana akaenzana. Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro. Akaera urefu hweguta norutanda rwake hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga zvakanga zvakaenzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
Shona 2009?
Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
Shona SUB 2002 Bible
Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.