Revelation 21:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva! Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.”
Shona 2009?
Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.
Shona SUB 2002 Bible
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko aya angatendwe, ndeechokwadi.”