Revelation 21:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanendiro nomŋe dzizere namaɗambudziko manomŋe okupedzisira, wakaȿika, akataura neni, aciti: Ʋuya pano, ndigokuratidza mŋeŋga, mukadzi weGwaiana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira. Akati kwandiri, “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weHwayana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”
Shona 2009?
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi wegwayana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”