Revelation 22:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwandiri: Mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi; Ishe, Mŋari wemŋeya yaʋaprofita, wakatuma mutumŋa wake kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu ɀoɗo‐kuitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa akati kwandiri, “Mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi Tenzi Mwari wemweya yavaporofita akatuma mutumwa wake kuti azoratidza varanda vake zvichaitika zvino uno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwandiri, “Mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.”
Shona 2009?
Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwandiri, “Mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.”