Revelation 22:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikaʋona iɀoɀi. Ɀino ndakati ndicinzwa, nokuʋona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumŋa wakandiratidza iɀoɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.” Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Johani, ndini ndakanzwa, ndikaona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa akandiratidza izvozvi.
Shona 2009?
Ini Johwani, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.
Shona SUB 2002 Bible
Ini Johani, ndini ndakanzwa, ndikaona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa akandiratidza izvozvi.