Revelation 3:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unokunda ndicamuita mbiru mutembere yaMŋari waŋgu, haaŋgazoɓuɗi’mo ɀe; ndicanyora pamsoro pake zita raMŋari waŋgu, nezita reguta raMŋari waŋgu, Jerusarema idɀa rinoɓuruka kuɗeŋga kunaMŋari waŋgu, nezita raŋgu idɀa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
Shona 2009?
Unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka kudenga kunaMwari wangu, nezita rangu idzva.
Shona SUB 2002 Bible
Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.’