Revelation 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi cinhu; usiŋgaziʋi, kuti ndiwe unoʋurombo nenhamo, uri murombo neɓofu usine‐cokufuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
Shona 2009?
Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti unoti, ‘Ndakapfuma, ndakapfumiswa; handishayiwi chinhu;’ usingazivi, kuti ndiwe uno urombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.