Revelation 3:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokupa zano kuti uteŋge kwandiri ndarama yakaidzwa mumŋoto, kuti uʋe nefuma, neŋguʋo cena, kuti uɀifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuʋonekwa; necizoro cameso, kuti uzore meso ako, uʋone.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaedzwa mumoto, kuti uve nepfuma, nenguo chena, kuti ufukidze; nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uone.
Shona 2009?
Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve nefuma, nenguvo chena, kuti uzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaedzwa mumoto, kuti uve nepfuma, nenguo chena, kuti ufukidze; nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uone.