Revelation 3:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi unamazita mashoma paSardisi aʋanhu ʋasina‐kuȿiɓisa ŋguʋo dzaʋo; ʋacafamba neni ʋaneŋguʋo cena, nokuti ʋakafanirwa naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.
Shona 2009?
Asi unamazita mashoma paSardhisi avanhu vasina kusvibiswa nguvo dzavo; vachafamba neni vanenguvo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.