Revelation 3:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unokunda, ucapfekedzwa saiɀoɀo ŋguʋo cena; handiŋgatoŋgodzimi zita rake pabuku yoʋupenyu, ndicapupura zita rake pamberi paƂaɓa ʋaŋgu, napamberi paʋatumŋa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.
Shona 2009?
Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku yovupenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku roupenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.