Revelation 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyorera mutumŋa wekereke iri paFiraderfia, uti: Ɀanzi naiye mutȿene, iye waɀokwaɗi, iye unekiyi yaDavidi, iye unoti kana acizarura, hakuna‐unopfiga, kana acipfiga, hakuna‐unozarura:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene uye wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura:
Shona 2009?
Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherfia, uti: Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye unekiyi yaDhavhidhi, iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana achipfiga, hakuna unozarura:
Shona SUB 2002 Bible
“Nyorera mutumwa wechechi iri paFiradherifia, uti: ‘Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga hakuna anozarura: