Revelation 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoziʋa maɓasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukoʋa wakazaruka, hakuna‐uŋgagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakaceŋgeta shoko raŋgu, ukasaramba zita raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.
Shona 2009?
Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuwo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.