Revelation 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀi, ndakatarira ndikaʋona mukoʋa wakazaruka kuɗeŋga; nenzwi rokutaŋga randakanzwa rakaita sehwamanda ricitaura neni, riciti: Kwira pano, ndigokuratidza ɀinofanira kuitwa shure kwaiɀoɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvi ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pano mukova wakanga wakazaruka kudenga. Uye inzwi randakanzwa richitaura kwandiri rakanga rakaita sehwamanda, rakati, “Kwira kuno, ndigokuratidza zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi ndakatarisa onei mudenga mune musuo wakazaruka. Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa richitaura kwandiri sebhosvo rakati, “Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvi, ndakatarira ndikaona musuo wakazaruka kudenga; nezwi rokutanga randakanzwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti, “Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvi.”
Shona 2009?
Shure kwaizvozvo, ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rokutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvi, ndakatarira ndikaona musuwo wakazaruka kudenga; nezwi rokutanga randakanzwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti, “Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvi.”