Revelation 4:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakaŋga agere’po wakaŋga akafanana nebge rejaspisi neresardio; kwakaŋga kunomuraraʋuŋgu wakakomberedza cigaro coʋushe, wakafanana nebge resmaragdino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akanga agerepo akanga akaita sedombo rejasipa nekarineri. Muraravungu, wakanga wakafanana nedombo reemaradhi, wakanga wakakomberedza chigaro choushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akanga akagara ipapo akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga, chakatenderedzwa nomuraraungu waiita sedombo reemaradhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akanga agerepo akanga akafanana nebwe rejasipisi neresaridhio; kwakanga kuno muraraungu wakakomberedza chigaro choushe, wakafanana nebwe resimaragidhino.
Shona 2009?
Iye wakanga agerepo wakanga akafanana nebwe rejaspisi neresardio; kwakanga kunomurarabungu wakakomberedza chigaro chovushe, wakafanana nebwe resmaragdino.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akanga agerepo akanga akafanana nebwe rejasipisi neresaridhio; kwakanga kuno muraraungu wakakomberedza chigaro choushe, wakafanana nebwe resimaragidhino.