Revelation 4:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀinna ɀakaŋga ɀinamapapiro matanhatu, cimŋe necimŋe; ɀakaŋga ɀizere nameso kunhiʋi dzose nomukati; haɀizorori masikati noʋusiku, ɀiciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Ishe Mŋari, wamasimba ose, iye wakaŋga ari’po, uri’po, noucazoʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose, akanga aripo, aripo, uye achazouya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvisikwa zvipenyu zvina zviya, chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro matanhatu zvizere maziso kumativi ose mukati nokunze. Siku nesikati hazvaimbomira kuimba zvichiti: “Munoera, munoera, munoera, imi Tenzi Mwari Samasimbaose, makanga muripo, muripo, uyewo muchazovapo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.”
Shona 2009?
Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati novusiku, zvichiti: Mutsvene mutsvene mutsvene, iye Ishe Jehovha wehondo, wamasimba ose, iye wakanga aripo, uripo, nouchazovuya.
Shona SUB 2002 Bible
Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.”