Revelation 5:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona, ndikanzwa inzwi raʋatumŋa ʋazhinji ʋakaŋga ʋakakomberedza cigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu, naƲakuru — kuwanda kwaʋo kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru neɀuru ɀamazana —
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona, ndikanzwa izwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru. Kuwanda kwavo kwakanga kuri zviuru zvezviuru nezviuru zvamazana
Shona 2009?
Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona, ndikanzwa izwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru. Kuwanda kwavo kwakanga kuri zviuru zvezviuru nezviuru zvamazana